lirik.web.id
a b c d e f g h i j k l m n o p q r s t u v w x y z 0 1 2 3 4 5 6 7 8 9 #

lirik lagu alick macheso – kurarama inyasha

Loading...

[verse 1]
vararami tose tiri kurarama munyika ino yamwari
tingati here huchenjeri hwedu, hwokuwanikwa tichinge tichirarama nhaiwe?
murarami wose ari kurarama, ari mupasi rino rayave
hakuna angati hungwaru hwake oga, hwekuwanikwa achinge achirarama nhaiwe

[chorus]
tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzashe)
tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzashe)
nenyasha dzashe

[verse 2]
varipo vamwe vanokanganwa kuti yave mwari variko
vanoita zvavo dambe nehupenyu, vanozowanikwa vachichema ramangwana nhaiwe
mwari havanete kutiyeuchidza, nguva dzese, zuva nezuva
vapi nevapi, uyo neuyo zvake, ndivo chеte mupi wehupenyu hwеdu

[chorus]
avo neavo (kurarama inyasha)
uyo neuyo (kurarama inyasha dzashe)
ini newe (kurarama inyasha)
uyo neuyo (kurarama inyasha dzashe)
inyasha dzashe
[verse 3]
tiri panyika, tisu tinorarama nekuda kwenyasha dzamwari
havagoni kuti vati, chawada iwe kuti chiitike kune mumwe semafungiro ako
hupenyu ihwohwo hwatinorarama pamusoro penyika ino yamwari
tinohuwana kubva kunaani wacho, asiri mumwe kunze kwavo mwari chete

[chorus]
tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
nyasha (kurarama inyasha dzashe)
nyasha (kurarama inyasha)
tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzashe)
nenyasha dzashe

[chrous]
tinorarama nenyasha (kurarama inyasha)
tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzashe)
ava neavo (kurarama inyasha)
avo neavo (kurarama inyasha dzashe)
nenyasha dzashe

[chorus]
uyo neuyo (kurarama inyasha)
ini newe (kurarama inyasha dzashe)
iwe naye (kurarama inyasha)
tinorarama nenyasha dzedenga (kurarama inyasha dzashe)
nenyasha dzashe, tenzi w~ngu
[verse 4]
vanengoni, vanenyasha, mwari vangu makativambutsa wani
kwatakabva makativambutsa mwari w~ngu
patave nhasi, mazotivambutsa wani
nekwatichaenda muchativambutsa mwari w~ngu
vanengoni, vanenyasha, mwari vangu makativambutsa wani
kwatakabva makativambutsa wani
nepatiri nhasi, mazotivambutsa wani
nekwatichaenda muchativambutsa wani

[outro]
ndimi chete mwari w~ngu wee, imi makati yave
misengwa yose mwari w~ngu wee


Lirik lagu lainnya:

LIRIK YANG LAGI HITS MINGGU INI

Loading...