lirik lagu alick macheso – chara chimwe
[verse 1]
irero shoko nderenyu imi baba namai hoo
ikodzero dzenyu kuziva vana zvatingada
kuti isu tizive chakanaka zvachakanaaakira
kubva mukuchengetwa nemi muri zvamuri mose
[verse 2]
kuziva chakanaka nechakaipa, kubva kamuri
moyo yerudo rwenyu rwamaitiratidzaaa
hamuna kuita hutsinye makatichengeta wani
murere akure mangwana agokurerawo
hoya
[verse 3]
chara chimwe hachitswanye inda
pabva zino pasara vende
chero ukatenga regoridhe asi harizi repo
ivende (pabva rimwe) ivende
chara chimwe hachitswanye inda
pabva zino pasara vende
chero ukatenga regoridhe zino harizi rеpo
ivende (pabva rimwe) ivеnde
[verse 4]
pan0bva amai, vana dzatova nherera
pabva amai vana dzatova nherera
pasina baba shupi uya woshupika
pasina baba shupi uya woshupika
nokuda kwezvikonzero, zvimwe zviri zvechokwadi
nokuda kwezvikonzero, zvimwe zviri zvemanyepo
tumwe twacho twukonzero, tusina nezvatwunoreva
tumwe twacho twukonzero, twuine nezvatwunoreva
[chorus]
inzwai tsitsi, inzwai ngoni
inzwai tsitsi, inzwai ngoni
inzwai tsitsi, (vanamai we) inzwai ngoni
inzwai tsitsi, inzwai ngoni
[verse 5]
pasina baba pave nemwanza, amai voga zvingavanetse
pasina mai pave nemwanza, baba voga zvingavanetse
chikuni chimwe hachikodze sadza
zviviri zvitatu zvinofuridzika
chikuni chimwe hachikodze sadza (amai)
zviviri zvitatu zvinofuridzika
[chorus)
inzwai tsitsi, inzwai ngoni
inzwai tsitsi, inzwai ngoni
inzwai tsitsi (vanamai we) inzwai ngoni
Lirik lagu lainnya:
- lirik lagu ruurd woltring – een bijzonder kind
- lirik lagu gelatokush – чарочник (charon)
- lirik lagu sendflowrs – banshee
- lirik lagu bathul & lucas ocean – peruanita
- lirik lagu שלמה ארצי – al saf daltech – על סף דלתך – shlomo artzi
- lirik lagu i’m geist & oc – weak
- lirik lagu notd – honest
- lirik lagu hotboy wes – choppa city
- lirik lagu acidgvrl – im king von and im tough grrr
- lirik lagu emphuria – ecos